Zimbabwe News Update
Langalihle MhitiMUIMBI ane mukurumbira mumusambo weAfro jazz, Selmor Mtukudzi, adzoka zvine mutsindo mudariro rekutsikisa mhanzi nedambarefu rake idzva, rinove rechipfumbamwe, rinodaidzwa kuti “Ndinenyara”, raanoti riri pamusoro poupenyu hwake.Dambarefu iri rine nziyo pfumbamwe dzinoburitsa unyanzvi hwemuimbi uyu, hunobva pakadzikadzika pemwoyo wake.Selmor anoti padambarefu iri akaunganidza ruzivo rwake rwose neunyanzvi hwakaurungana.“Dambarefu iri ndereupenyu hwangu. Ndiri kugoverana nepasi rose nhoroondo youpenyu hwangu; zvinhu zvandakasangana nazvo mukurarama nezvandakaona.
Ndezveupenyu, zvinova zvechokwadi, zvichirwadza,” anodaro Selmor.Rwiyo rwoga rwoga — kusanganisira kambo “Washinga Here”, kanove nhangaruvanze — rwakatakura mashoko ane udzamu.Padambarefu iri panewo nziyo dzinoti “Chii Kuonda” uye “Haunzwe Nei”, idzo dzinotaura pamusoro peraramo uye matambudziko akasiyana-siyana anosanganikwa nawo muupenyu.Panewo rwiyo “Sezvinonoka”, urwo runotaura pamusoro pekukosha kwekuva nemwoyo murefu uye kumirira nguva muupenyu.Padambarefu iri, ane kambo “Wadya Kupi”, kaakaridza akabatana nemumwe muimbi, Pauline, zvinova zvinotaridza kudyidzana kwake kwakanaka nevamwe vaimbi.“Vamwe vandakaburitsa navo dambarefu iri vanhu vandakaumba navo ukama, ndichidyidzana navo kwenguva refu,” anodaro Selmor.Padambarefu iri tinoona kutambanudzika kweunyanzvi hwemuimbi uyu munyaya dzemusambo weAfro jazz pachishandiswa midziyo yechizvinozvino.Anoramba achitevedza tsoka dzababa vake muchakabvu Oliver Mtukudzi, mumusambo wake.Selmor akatsikisa dambarefu iri kumba nemhuri yake.Murume wake Tendai Manatsa nemwanakomana wavo Ben ndivo vakaita basa rose rekutsikisa, vachibatsirana, izvo zvakataridza kushanda pamwe chete kwemhuri iyi.“Zvinokudzwa kuburitsa chinhu chakanaka kudai nevadikani vako.
Zvinoburitsawo huchokwadi hwezvamuri kuita,” anodaro Selmor.Kunyange akambobura mamwe madambarefu masere kumashure, anoona sokuti “Ndinenyara” mutakunanzva chaiwo.“Ndakakura kubva mune nziyo dzose dzandakaburitsa kumashure, asi ‘Ndinenyara’ kari kuburitsa unyanzvi hwangu hwose. Ndinovimba vanhu vachazvinzwira munziyo idzi,” anodaro Selmor.Anoti sezvo dambarefu iri rave kuwanikwa padandemutande nepanhepfenyuro, vanhu vakawanda vamirira kuti achiite mashoo, achisangana nevatsigiri vake.Anotizve ari kuramba achisimukira munyaya dzekuimba, izvo zviri kuburitswa pachena nedambarefu “Ndinenyara”.Leave a ReplyCancel reply
Continue Reading This Story
This is a curated preview of the full article. Our editors have selected
key highlights, but there’s more to discover in the complete story.
Read the full article
View all images and media
Access related coverage
15 paragraphs
4 min read