Zimbabwe News Update
Kingstone MapupuKASVAVA kane mwedzi mina yekuberekwa kakadonha kumusana kwaamai vako kakanorovera pasi nemusoro zvakaita kuti kabva kangofa apo vairwisana nababa vacho kunzvimbo yeDomboshava, kuMberengwa.Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa23 Gumiguru nenguva dza7 manheru.“Vabereki vemwana uyu vanoti Mthandazo Zhou (23) vanova baba vake naamai vacho, Tawananyasha Zhou (18), vose vanobva kuDomboshava kuMberengwa, vakanetsana vari pamba pavo. Vakazotanga kurwisana apo mudzimai uyu aiva akabereka mwana kumusana.
Panguva iyi, mwana uyu akabva adonha kumusana kwaamai vake ndokunorovera pasi achibva angofira panzvimbo,” vanodaro Insp Mahoko.Vanoti mapurisa akaziviswa nezvenyaya iyi kuburikidza nerunyerekupe achibva asunga murume uyu nemukadzi wake.“Vose, murume nemudzimai wake, vakabva vasungwa avo vari kubatsira mapurisa nekufeewa kwenyaya iyi vari muchizarira. Panguva yakasungwa vaviri ava, vanonzi vaitoronga kunoviga mutumbi wemwana uyu muchivande kunharaunda yeGomonhenga kwaSabhuku Khumalo, kudunhu raMambo Negove,” vanodaro Insp Mahoko.“Tinokurudzira veruzhinji kugara murunyararo pasina kurwisana kana kupopotedzana, kana paine zvanetsa vanhu ngavatsvage vayananisi,” vanodaro Insp Mahoko.Leave a ReplyCancel reply
Kingstone MapupuKASVAVA kane mwedzi mina yekuberekwa kakadonha kumusana kwaamai vako kakanorovera pasi nemusoro zvakaita kuti kabva kangofa apo vairwisana nababa vacho kunzvimbo yeDomboshava, kuMberengwa.Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa23 Gumiguru nenguva dza7 manheru.“Vabereki vemwana uyu vanoti Mthandazo Zhou (23) vanova baba vake naamai vacho, Tawananyasha Zhou (18), vose vanobva kuDomboshava kuMberengwa, vakanetsana vari pamba pavo. Vakazotanga kurwisana apo mudzimai uyu aiva akabereka mwana kumusana.
Continue Reading This Story
This is a curated preview of the full article. Our editors have selected
key highlights, but there’s more to discover in the complete story.
Read the full article
View all images and media
Access related coverage
10 paragraphs
2 min read