ZW flag
Zimbabwe News Update
sourceheraldtime7 min read

Muchaneta ChimukaVARIMI vokurudzirwa kuti vasiyane nekatsika kekutenga mumikoto mbeu, seyechibage, nemishonga yekufiritisa mbesa, asi kuti vatenge muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.Kurudziro iyi inotevera kuwanda kuri kuita makoronyera anotengesa zvekurimisa mumikoto mwaka wezhizha zvawaswedera kudai.Kurudziro iyi yakapihwa nesangano rinorwira kodzero dzevarimi uye zvipfuyo reCropLife Zimbabwe, rakabatana neveZimbabwe Seed Association (ZSA), Animal Health Industry Committee (AHIC) uye makambani anogadzira fetireza, pamusangano wakaitwa muguta reHarare nguva pfupi yadarika.Musangano uyu waive nechinangwa chekuzeya mamwe ematambudziko anosanganikwa nawo nevarimi uye kuti angagadziriswe sei.Chirongwa ichi chakaitwa pasi pedingindira rinoti “Kupa ruzivo maringe nemitemo yembeu”.Vachitaura pachiitiko ichi, Mai Patience Nyakanda, vanove secretary-general weZSA, vakakurudzira varimi nevatengesi vembeu kuti vatevedze mitemo yenyika.“Munyika mune dambudziko remakoronyera, ayo atori mushishi kupenda mbeu dzakasiyana-siyana, kunyanya yechibage, vachitengesera varimi.

Tinoyambira varimi kuti vasiyane nenyaya dzekutenga mbeu yekupimirwa, mungave mumakapu, kana dzavasinganzwisisi, asi kuti vaende kunotenga muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo. Muzvitoro izvozvo, makanakira kuti mune madhumeni nevatengesi vembeu, avo vanopanga varimi mazano maererano nemhando dzembeu dzinoenderana nematunhu avo akasiyana-siyana uye vachibvunza zvose zvavanoda kuziva, vachizviwaniswa pachena,” vanodaro.Mai Nyakanda vanoti vamwe varimi vanoda kutenga mbeu dzemumikoto, vachiti dzakachipa, asi vachizorasikirwa zvakanyanya negoho.“Makoronyera anongopenda mbeu, oendesa kumisika; haanei nokuti dzakapfukutwa here uye kuti dzichaunza dambudziko ripi kumutengi.

Asi zvitoro zvakanyoreswa zvinoita mabasa nemazvo nekuziva kuti vatengi vachadzoka zvakare mwaka unotevera vachida kuzotenga mbeu nokuda kwechivimbo chavanenge vave nacho. Kunyangwe fetireza nemishonga yose yezvirimwa nemhuka zvinofanira kutengwa muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo kuitira kuti varimi vasarasikirwe,” vanodaro.VaKudakwashe Chimwanda, vanove nhengo yeexecutive committee kuCropLife Zimbabwe, vanoti zvirimwa zvinofanira kuchengetedzwa kuburikidza nekuwaniswa manyowa, fetireza nemvura.“Hazvirevi kuti chirimwa chiri muvhu chinofanira kudiridzwa nechero mvura inenge yawanikwa. Imwe mvura ine michetura inouraya zvirimwa pamwe nekutindivadza ivhu.


book

Continue Reading This Story

This is a curated preview of the full article. Our editors have selected
key highlights, but there’s more to discover in the complete story.

  • ✓ Read the full article
  • ✓ View all images and media
  • ✓ Access related coverage

pages
23 paragraphs


time
7 min read

By Hope