MUNYAYA inosuwisa ine chekuita nemhirizhonga yemudzimba, murume ane makore 47 ekuberekwa wemubhuku raSavanhu kwaMambo Seke anonzi akazviuraya kuburikidza nekuzvikanda muHarava Dam kwaSeke mushure mekunetsana nemudzimai wake uyo waakanga ari kupomera mhosva yekusavimbika. Nyaya iyi yakaitika nemusi weChitatu mangwanani apo mushakabvu, William Charakupa, anonzi akazvikodhonza mudzimai wake Hilda Masama (45) akamubata nechepahuro achimupomera mhosva yekuita gumbo mumba gumbo kunze. Anonzi akabva amudhonzera mubhedhuru mavo umo akanomubaya nechinhu chisati chave kuzivikanwa zvakaita kuti akuvare zvakanyanya.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanotsinhira nezvenyaya iyi. Vanoti mushure mechiitiko ichi, mwanasikana wemurume nemudzimai uyu, Tadiwanasje Charakupa (17), akamuka achibva asvikowana amai vake vakafenda uye vachibuda ropa mumusoro zvakanyanya. Anonzi akabva afunga kuti amai vake vaive varasikirwa neupenyu ndokutanga kudaidzira vanhu vemunharaunda kuti vauye.
“Mwana akatanga kuchema achidaidzira vanhu achiti ‘amai vangu vafa’. Saka panguva iyi baba vake ndipo pavakamuudza kuti vava kuenda kunozvikanda mudhamu reHarava nekuti vainge vava kutya sezvo vainge vauraya amai vake. Mumwe muvakidzani anonzi Peter Mugadza (46) ndiye akazotakura mudzimai uyu akaenda naye kuChitungwiza Central Hospital uko ari kurapwa uye utano hwake hauna kumira zvakanaka,” vanodaro Inspector Chakanza.
[paywall]
Vanoti vanhu vemunharaunda pavakataurirwa nemwana uyu kuti baba vake vakange vaenda kunozvikandidzira mudhamu reHarava vakabva vamhanya kwava kunopinda mudhamu iri vachibva vanyurura mutumbi wavo. “Mapurisa akazoziviswa vachibva vawana mutumbi waCharakupa watova kunze kwedhamu uchibva waendeswa kumochari uko ongororo iri kuitwa. Tinoramba tichikurudzira veruzhinji kuti vasiyane nenyaya dzemhirizhonga nekuti dzinoparadza upenyu vana vachisara dzava nherera seizvi. Vanhu kana vachinge vaona kuti havasi kunzwanana pachavo zvakakosha kuti vatsvake vamwe vanovayananisa kana kuenda kumapurisa, mafundisi nedzimwe hama dzavanovimba nadzo kuti vabatsirwe nemazano pane kurwisana,” vanodaro.
[/paywall]
All Zim News – Bringing you the latest news and updates.