Zimbabwe News Update
Kingstone MapupuVEMHURI inobva mumusha waSabhuku Chigwada, mudunhu raMambo Negomo, kuChiweshe, vanoti tateguru wavo akaba mhembwe yemumwe muvhimi yaive pamusungo, izvo zvokonzera kuti vana vose vanozvarwa vange vakaremara makumbo mudzinza rose.Dambudziko iri rakatarisana nemhuri yekwaChigwada, iyo inogara kwaMukodzongi.Vemhuri iyi, kubva kuvana kusvika kuvakuru, vose havagoni kuzvishandira nokuda kwedambudziko remakumbo akaremara. Vanofamba vachiita zvekuzvuva makumbo.Sabhuku Chigwada, VaMirosi Chigwada (78), vanove mukuru asara mumhuri iyi, vanoti vose vemumhuri yavo vanoberekwa vakaremara mitezo.“Tinoberekwa tiine dambudziko remakumbo akatsveyama zvokutadza kufamba.
Tine vanakomana vakaita sezvandakaita ini, nevanasikana zvakare, uye dambudziko iri rapambira kuvakuwasha vanoroora vana vedu. Rinonzi rakatanga apo baba vangu, VaMaringe Chigwada, vakaba mhembwe yaive pamusungo wemumwe murume aibva kuMalawi, apo vaishanda papurazi reSiamona kuBindura,” vanodaro VaChigwada.Vanoti baba vavo ava vakaba mhembwe iyi varungu vachangopinda munyika muno, apo vaiita basa rekufudza mombe papurazi iri revachena. Baba ava vaiita zvakare basa rekutyaira mombe pangoro.“Baba vangu vaishanda pamwe chete nedzimwe hama dzedu, vachiita basa rimwe chetero rekufudza mombe nekutyaira mombe pangoro. Panguva iyi, vanonzi vakanoba mhembwe pamusungo wemurume aibva kuMalawi, uyo aiita basa rekuteya mhuka munzvimbo iyi.
Murume uyu anonzi akazoenda kuna baba mushure mekunzwa runyerekupe rwokuti mhuka yake ndivo vainge vaiba.“Akavabvunza asi vakaramba. Murume uyu akabva agadzira mishonga yake yechivanhu, zvinova zvakakonzera dambudziko ratinaro nhasi iri,’’ vanodaro VaChigwada.Vanoti murume ane mhembwe yakabiwa iyi akazobva papurazi apa, ndokuenda kusina anoziva, uye akasvika pakufa asina kuripwa.“Mudzinza rose tine dambudziko remakumbo akaremara, izvo zvakonzera kuti tive nehurombo hwakapetwa nokuti hatigoni kuzvishandira. Kurima chaiko nekusakura idambudziko. Vazhinji vedu tinosakura tichigwesha. Muno hatina mvura inowanikwa pedyo.Chibhorani chiri kure zvokuti hatigoni kunozvicherera mvura. Vanawo havagoni kuenda kuzvikoro.
Continue Reading This Story
This is a curated preview of the full article. Our editors have selected
key highlights, but there’s more to discover in the complete story.
Read the full article
View all images and media
Access related coverage
19 paragraphs
5 min read