Zimbabwe News Update

🇿🇼 Published: 11 February 2026
📘 Source: Herald

MWANASIKANA ane makore masere okuberekwa wemurukisheni rweK14 kuKaroi, unove musha mutsva mudhorobha iri, akakuvara zvakaipisisa pagumbo mushure mekurwiswa negava nguva pfupi yadarika. Kurwiswa uku kwakaitika apo mwana uyu aive akarara mumba mavo manheru. Vachitaura pamusangano wekanzuru nemusi weChitatu svondo rino, kanzura weWard 8 kuKaroi, VaLloyd Chasara, vanoti chiitiko ichi chinoshungurudza uye chinotaridza kuti kushaikwa kwemwenje wemaraitsi mudhorobha iri kuri kuisa hupenyu hwevagari vemo panjodzi.

Kanzuru iyi yakabva kutenga mwenje wemaraitsi emumigwagwa anoshandisa simba rinobva muzuva anosvika 700. “Tinoda kuti maraitsi anoshandisa simba rinobva muzuva agoverwe zvakaenzana uye nenzira kwayo. Nharaunda dzose dziri panjodzi, kunyanya Chilangwe neChiedza nekuda kwenyaya dzakawanda dzekubatwa kwevanhu huruweki nekubirwa, tine nzvimbo dzisina kuchengetedzwawo nekuda kwemhuka.

“Nguva pfupi yapfuura, mumwe musikana ane makore masere ekuberekwa akaita rombo rakanaka rekusara ari mupenyu mushure mekunge gava rapinda muimba yaainge akarara usiku ndokumurwisa. Zvakatora mushandirapamwe wevavakidzani kuuraya mhuka iyi izvo zvakazoponesa mwana uyu,” vanodaro Kanzura Chasara. Kanzura weWard 9, VaMuzondiwa Sawanje, vakabvumirana nazvo vachiti kunyange hazvo kanzuru iri kuita basa rayo mukuisa maraitsi, danho iri neimwe nzira rinoonekwa serinokurudzira humbavha sezvo maraitsi aya anogona kubiwa mukati mesvondo rimwe chete.

📖 Continue Reading
This is a preview of the full article. To read the complete story, click the button below.

Read Full Article on Herald

AllZimNews aggregates content from various trusted sources to keep you informed.

[paywall]

“Ngatiise maraitsi aya pane dzimba topa basa kuvaridzi vedzimba dzacho kuti vaachengetedze. Iyi ndiyo nzira chete yekudzivirira mwenje iyi kuti isabiwe,” vanodaro. Meya weKaroi, Elderman Kudakwashe Chigumo, vanoti maraitsi 700 akatengwa aya achaiswa mumawadhi ose.

[/paywall]

📰 Article Attribution
Originally published by Herald • February 11, 2026

Powered by
AllZimNews

All Zim News – Bringing you the latest news and updates.

By Hope