MHURI inogara kwaSabhuku Masunda kuMhandamabwe kwaChivi, kuMasvingo inoti ine matambudziko asingapere ayo akatanga mushure mekunge vafirwa nehama yaingodyiwa muviri nezvinhu zvisingaonekwe. Matambudziko aya akatarisana nemhuri yekwaMukozho uye anonzi akatanga mushure mekushaika kwaTongai Mukozho mugore ra2014 achidzurwa nyama nezvinhu zvaisaonekwa. Murume uyu anonzi akazovigwa angova mabhonzo akaputirwa mujira.
Mai Tambudzayi Mukozho (53) vanove hanzvadzi yemushakabvu vanoti vakaberekwa vari vapfumbamwe nababa naamai vamwe chete apo mumba mavo maigara muchiitwa zvechivanhu zvakaita semapira nedoro remashavi. “Zvakadai, baba vakazofa ndokusarirwa naamai chete avo vatinoti ndivo vava musoro wemba. Pakashaika baba, nyaya dzekuita zvechivanhu hakuna akazodzitungamirira apo sevana takatanga kuzvimirira,” vanodaro Mai Mukozho.
Vanoti zvinhu zvakazoenda musango pakarwara hanzvadzi yavo yainzi Tongayi Mukozho uyo akaita makore matatu achingodyiwa muviri nyama dzichidonha nezvinhu zvaisaonekwa. “Hanzvadzi yangu Tongayi Mukozho akarwara kwemakore matatu ari kumba kwake kuRetreat kuWaterfalls achirumwa-rumwa muviri wese nekudzurwa nyama nezvinhu zvaisaonekwa. Akafa asara mabhonzo chete angova pachena mutumbi wake ukakwana mupepa repurasitiki, mujira nemumatissue.
[paywall]
Semhuri takakakavadzana, hapana kufamba kwatakaita sezvo vamwe vakati chirwere chegomarara chakamuuraya,” vanodaro Mai Mukozho. Vanoti kubva ipapo vakatanga kunangana huroyi nekuda kwemafiro akaita hama yavo iyi zvakonzera kuti mhuri iyi isabvakachirane kana kuridzirana nhare chaiko. “Chakashamisa mushure mekushaya kwababa nehanzvadzi iyi, kune vanhu vanokwana vana vemumba medu, vakatanga kusvikirwa nemidzimu.
Hatizivi kuti mweya iri kusvika kwatiri midzimu chaiyo here kana kuti mweya yetsvina zvisinei kuti inosvika ichitaura mazita emadzitateguru edu akashaika. Hurwere hauchaperawo mudzinza redu saka tava kutsvaga kubatsirwa,” vanodaro Mai Mukozho. Vanoti vane imwe hanzvadzi yavo yakangoerekana yaita bofu mudzimai wake akazodzingwa mumusha achirohwa achinzi ndiye akaroya murume wake.
“Muroora wedu uyu akarohwa nedzimwe hama dzedu achinzi ndiye akaroya hanzvadzi yakaita bofu iyi. Izvozvi hanzvadzi bofu iyi akazotorwa neimwe hanzvadzi yedu iri kwaMutare ukowo kwava kugara amai vedu,” vanodaro Mai Mukozho. Vanoenderera mberi vachiti: “Semhuri ini ndinoda kuti tiungane titsvage kuti dambudziko redu rinobva kupi uyewo nekuti hanzvadzi akafa uyu akafa achidyiwa nei.
Zvino nekusaonana uku hapana chinogadzirika. Amai vedu chaivo hatigone kutaura navo zvakanaka nekuda kwekudhonzerana kwedu sevana. Isu tinoita zvechivanhu asi midzimu yose yakasungwa, tinoda vayananisi mumhuri medu.” Munyori uno akapihwa nhamba dzenhare dzevamwe vemumhuri iyi idzo dzakaedzwa kuridzwa asi dzichiramba.
[/paywall]
All Zim News – Bringing you the latest news and updates.