Freedom MupanedemoRAKAVA bararamhanya pakuvigwa kwemumwe murume kwaSabhuku Njobela kwaMambo Chisadza, kuLower Gweru nemusi weChina chadarika apo imwe hama yemushakabvu yakamuka chibhebhenenga ndokutanga kurwisa munhu wese, kusanganisira mafundisi nasadunhu wemunzvimbo iyi.Vavakidzani nehama vakatozoungana kechipiri ndokuviga mutumbi uyu chinyararire, uyo wakanga wasara wakarembera paguva zuva rose.Edwin Moyo akange aswera zuva rose akagara paguva iri apo aive akapakatira foshoro mushure mekunge aita mhirizhonga.Nyaya iyi yakaitika munharaunda yeMangwande kwaSabhuku Njobela.Mapurisa epakamba yeMaboleni Police Station neChishanu chadarika vakatsinhira nyaya iyi ndokuti vari kuiferefeta.VaJob Njobela Moyo, avo vanova sadunhu wenzvimbo iyi, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakasiya dunhu rose richishushikana.Vanoti nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa nekwaMambo Chisadza mushure mekunge vamwe vevachemi ava vakuvadzwa mukurwiswa naEdwin Moyo.“Zvinoshamisa, hatina kumbobvira tasangana nechiitiko chakadai, apo panovigwa mutumbi uchidzikiswa muguva.“Ndakamanikidzwawo kutiza ndichirwira hupenyu hwangu musi uyu sezvo murume uyu akaita mhirizhonga, achirwisa munhu wese, kusanganisira mufundisi aitungamirira chirongwa chekuvigwa kwemunhu,” vanodaro.Sadunhu Njobela vanoti Edwin Moyo anotaridza kuti akagumbuka zvikuru nedanho remhuri yake rekuenderera mberi nekuvigwa mufi mushure mekunge vambowirirana kumisa kuviga kwake kudzamara nyaya yemafiro ake yagadziriswa.“Mufi, Milton Mpala, rufu rwake rwakakonzerwa nekupondwa uye ndinofunga kuti hama idzi dzakambobvumirana kuti nyaya iyi itange yagadziriswa vasati varonga kumuvigwa, saka pakava nekupokana mukati memhuri yemushakabvu kubva pakufa kwake kusvika pakuvigwa,” vanodaro.Sadunhu Njobela vanoti Edwin Moyo akatombozvikanda muguva achiti anoda kuvigwa pamwe chete naMpala, asi akazobuda ndokutanga kuita mhirizhonga.“Airatidza kuti akadhakwa uye ndokutanga kurova vanhu vese asati abata foshoro ndokutanga kurwisa vanhu vaichema zvisina tsarukano.“Pakange pasina kumira zvakanaka zvekuti ndakazoraira vaichema kuti vambosiyana nekuviga munhu sezvo tose takange totiza nehupenyu hwedu,” vanodaro.Sadunhu Njobela vanoti vakadaidza mhuri yemushakabvu kuti iuye kuzotongwa munguva pfupi iri kutevera nekuda kwemhosva yekutadza kudzora hama yavo, izvo zvakaita kuti kuvigwa kwaMpala kumbomiswa.“Zvakaitika izvi zvinonyadzisa mudunhu rangu saka tichange tichiita dare redzimhosva, munogona kuuya kuzopinda,” vanodaro.Imwe hama yaMpala, iyo yakakumbira kusadomwa nezita, inoti sadunhu uyu ari kuvaomesera panguva iyo vaichema.“Murume uyu anozivikanwa nekushandisa zvinodhaka, musha wese unozviziva uye handizive kuti sei sadunhu wedu nehuchenjeri hwake akasarudza kuti azotishevedza kudare, zvikuru panguva ino yatiri kuchema nekushungurudzika nechiitiko ichi.“Edwin (Moyo) ndiye anofanirwa kutsvagwa osungwa nemapurisa nekuti semhuri hatitsigiri hunhu hwake, hunotishungurudzawo,” anodaro.Share on FacebookPost on XFollow usSave
Originally published on Zimbabwe Herald
Source: Zimbabwe Herald
All Zim News
All Zim News is a central hub for all things Zimbabwean, curating news from across the country so no story is missed. Alongside aggregation, our team of nationwide reporters provides real-time, on-the-ground coverage. Stay informed and connected — reach us at admin@allzimnews.com.